-
Acts 16
- 1 Zvino wakasvika kuDhebhe neRistra; zvino tarira, ipapo paiva neumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana weumwe mukadzi muJudhakadzi waitenda, asi wababa muGiriki;
- 2 waipupurirwa zvakanaka nehama dzepaRistra neIkonio.
- 3 Uyu Pauro wakada kuti abude naye, ndokumutora akamudzingisa nekuda kweVaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vese vakange vachiziva baba vake, kuti muGiriki.
- 4 Zvino vakati vachigura nemumaguta, vakavakumikidza zviga zvakatemwa nevaapositori nevakuru vaiva paJerusarema kuti vachengete.
- 5 Naizvozvo makereke akasimbiswa parutendo, ndokuwedzera pauwandu zuva nezuva.
- 6 Zvino vakati vagura Frigia nedunhu reGaratia, vadziviswa neMweya Mutsvene kutaura shoko paAsia,
- 7 vakati vasvika pakatarisana neMisia vakaidza kuenda kuBhitiniasi; asi Mweya haana kuvatendera;
- 8 zvino vakati vapfuura paMisia vakaburukira kuTroasi.
- 9 Chiratidzo ndokuonekwa kuna Pauro usiku; umwe murume muMakedhonia wakange amirepo, achimukumbira zvikuru achiti: Yambukira kuMakedhonia, utibatsire.
- 10 Zvino wakati achiona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kubuda tiende kuMakedhonia, tapedza tichiti Ishe watidana kunoparidza evhangeri kwavari.
- 11 Naizvozvo takabva Troasi nechikepe, tikaruramira kuSamotirasi, fumewo kuNeapori,
- 12 ndokubvapo tikaenda kuFiripi, rinova guta rekutanga redunhu reMakedhonia, raitongwa neimwe nyika; uye takagara mamwe mazuva muguta iri.
- 13 Zvino nezuva resabata tikabuda kunze kweguta kurutivi rwerwizi, paifanira kuitirwa munyengetero; zvino takagara pasi tikataura nevakadzi vakange vaunganapo.
- 14 Zvino umwe mukadzi wainzi Ridhia, mutengesikadzi wemicheka yeruvara rwehute weguta reTiatira, wainamata Mwari, wakatinzwa; moyo wake Ishe waakazarura, kuti ateerere zvinhu zvinotaurwa naPauro.
- 15 Zvino wakati abhabhatidzwa, neimba yake, akakumbira achiti: Kana matonga kuti ndakatendeka kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare. Zvino akatigombedzera.
- 16 Zvino takati pataipinda kumunyengetero, umwe murandasikana waiva nemweya wekuuka wakasangana nesu, waivigira vatenzi vake mubairo muzhinji nekuuka.
- 17 Uyu wakatevera Pauro nesu, achidanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wekumusoro-soro, vanotiparidzira nzira yeruponeso.
- 18 Zvino izvi wakazviita mazuva mazhinji. Pauro wakati asemburwa, akatendeuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Zvino ukabuda nenguva iyoyo.
- 19 Vatenzi vake vakati vaona kuti tariro yemubairo yavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pevakuru,
- 20 vakati vavauisa kuvatungamiriri vakati: Vanhu ava vanovhiringidza guta redu, vari VaJudha,
- 21 uye vanoparidza tsika dzisiri pamutemo kwatiri kugamuchira kana kuita, tiri vanhu VaRoma.
- 22 Zvino chaunga chikavamukira pamwe, uye vatungamiriri vakavabvarurira nguvo vakaraira kuti vavarove netsvimbo.
- 23 Vakati vaisa mavanga mazhinji pamusoro pavo vakavakanda mutirongo, vakaraira murindi wetirongo kuti avachengete kwazvo;
- 24 iye, agamuchira murairo wakadaro, wakavakanda mutirongo remukati, akasimbisa tsoka dzavo mudanda.
- 25 Zvino panenge pakati peusiku Pauro naSirasi vakange vachinyengetera nekuimba nziyo dzekurumbidza kuna Mwari, uye vasungwa vaivanzwa;
- 26 zvino pakarepo kwakavapo kudengenyeka kwenyika kukuru, zvekuti nheyo dzetirongo dzakazununguswa; zvino pakarepo mikova yese ikazarurwa, nezvisungo zvevese zvikasunungurwa.
- 27 Murindi wetirongo wakati apepuka, uye aona mikova yetirongo yakazarurwa, akavhomora munondo, oda kuzviuraya, achifunga kuti vasungwa vatiza.
- 28 Asi Pauro wakadanidzira nenzwi guru, achiti: Usazvikuvadza; nokuti tiri muno tese.
- 29 Zvino wakakumbira mwenje akasvetukiramo, ndokusvika achibvunda akawira pasi pamberi paPauro naSirasi,
- 30 zvino akati avabudisira kunze akati: Madzishe, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?
- 31 Zvino vakati: Tenda kuna Ishe Jesu Kristu, zvino uchaponeswa iwe neimba yako.
- 32 Zvino vakataura kwaari shoko raIshe, nekune vese vaiva mumba make.
- 33 Ndokuvatora nenguva iyoyo yeusiku akavashambidza pamavanga, ndokubhabhatidzwa pakarepo iye nevake vese.
- 34 Zvino wakati avaisa mumba make ndokugadzika tafura pamberi pavo, akafara neimba yake yese achitenda kuna Mwari.
- 35 Zvino kwakati kwaedza vatungamiriri vakatuma mapurisa vachiti: Sunungurai vanhu avo.
- 36 Murindi wetirongo ndokuudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatungamiriri vatuma shoko, kuti musunungurwe; naizvozvo budai ikozvino muende murugare.
- 37 Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena tisina kubatwa mhosva tiri vanhu VaRoma, vakatikanda mutirongo, zvino ikozvino votikanda panze chinyararire here? Haiwa, kwete! Asi vanofanira kuuya vamene vatibudise.
- 38 Mapurisa ndokuudza vatungamiriri mashoko iwayo; zvino vakatya pavakanzwa kuti VaRoma,
- 39 ndokuuya vakavakumbira, zvino vakavabudisa vakakumbira kuti vabude muguta.
- 40 Zvino vakabuda mutirongo vakapinda kwaRidhia; ndokuti vaona hama, vakavanyaradza, vakabva ndokuenda.
-
King James Version (kjv)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file
Basic Hash Usage Explained
At getBible, we've established a robust system to keep our API synchronized with the Crosswire project's modules. Let me explain how this integration works in simple terms.
We source our Bible text directly from the Crosswire modules. To monitor any updates, we generate "hash values" for each chapter, book, and translation. These hash values serve as unique identifiers that change only when the underlying content changes, thereby ensuring a tight integration between getBible and the Crosswire modules.
Every month, an automated process runs for approximately three hours. During this window, we fetch the latest Bible text from the Crosswire modules. Subsequently, we compare the new hash values and the text with the previous ones. Any detected changes trigger updates to both our official getBible hash repository and the Bible API for all affected translations. This system has been operating seamlessly for several years.
Once the updates are complete, any application utilizing our Bible API should monitor the hash values at the chapter, book, or translation level. Spotting a change in these values indicates that they should update their respective systems.
Hash values can change due to various reasons, including textual corrections like adding omitted verses, rectifying spelling errors, or addressing any discrepancies flagged by the publishers maintaining the modules at Crosswire.
The Crosswire initiative, also known as the SWORD Project, is the "source of truth" for getBible. Any modifications in the Crosswire modules get reflected in our API within days, ensuring our users access the most precise and current Bible text. We pledge to uphold this standard as long as getBible exists and our build scripts remain operational.
We're united in our mission to preserve the integrity and authenticity of the Bible text. If you have questions or require additional information, please use our support system. We're here to assist and will respond promptly.
Thank you for your understanding and for being an integral part of the getBible community.
Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.